Ndakakuti pakata chete
Na Brian Tafadzwa Penny
Shoko rakazosara kusvika tatopedza kugadzirira
nechekare.Zvekudyira-dyira nezvekunwira-nwira zvachiti shutu mune imwe kamuri
yevaenzi.Chainge chasara apa imotokari yekuti tichitakurisa .Tete Dorcas
vakange vabvuma kutiperekedza nemotokari yavo iyo yavainge vachangobva kunotora
kuZambia.Mota yaive mbishi iyoyo.Zvaizofadza kana ndaizosvika ndine
muzvambarara wemota pamba pevakarabwa zvisinei kuti ndainge ndisiri ini
muchairi wayo.Ehee zvaifadza kusvika nemotokari mbishi inorira mumhanzi.Zimdancehall iyi,kuti popooo popooo…hauite hauite,chibabababa.Chokwadi
pagrowth point here?Bva ruzevha rwose rwaingenda-ngenda zvekuti Sabhuku
Chimuriwo aitotipa chipo chehuku achiti tainge tadadisa.
Ndiri
mushishi nedzangu pfungwa nharembozha yangu yakachema ndokubva yasiya aya
mashoko;
‘’Sekuru
Manyuchi huyai kumba nhasi manheru’’.NdiDorcas uyo akanga atumira rairo
iyi,zvichireva kuti manheru akarewo ndaifanira kuenda kumba kwake kuMainway Medows
kundodzwa zvaainge andidanira.Kuti haachada nemotokari yake,kana kuti afunga
zvimwe?Ndini uyo ndangunozvikwesha ndega zvangu.Kuti nditi Dorcas angarambe
nemota,zvakaramba kupinda mupfungwa nekuti ini naDorcas taiwirirana zvekumberi.Aindida
ini ndaimufarira.Mumhuri medu ndiye chete aive musikana akange atenga imba yake
kuWaterfalls kunove ndiko kwandaichengetera twunu twangu tweroora.
Nyarai
tsvarakadenga yakange yanditora moyo ndakanga ndasvusvura kare.Rusosa ndakanga
ndapwanya ndikadya munda.Kana iyo yerupwanya ruzhowa ndakanga ndaunganidza,
zvisinei kuti ndaizonotemwa yakawanda zvakadii.
NaNyarai
takanga taumba redu budzi panyika.Ndiyeka Senzeni chimhandara chataidisa tose tichichirera
mune zvakanaka.Senzeni akanga atove chisikana
otogona kuti tadha,baba,ndege.Pamusha paNyarai ndakanga ndisati ndasvika
kunyangwe zvazvo hama nehama takanga tozivana kubudikidza nemitambo mizhinji
umo taisangana.Dai kusiri kubirwa mari kwandainge ndaitwa kwaChiyadzwa uko
ndaikorkoza ndingadai ndakazvipedza nechekare zvese nemuchato ndingadai
ndakatamba.Zvisinei tsvakirai kuno yandakanga ndaendesa naGabhu shamwari yangu
yakanga yasvika pamwe nekutambirwa.Saka ndaifara kuti naGabhu takange
tonopedzisa patainge tasiira,kunyangwe zvazvo mazuva akanga afamba.
Chivhu
yose Gabhu aizivikanwa nekuda kwechigayo chaainge avhura.Chigayo chaimupa mari
haikona,zvese zvaaida aizvimora muchigayo ichi.Ndichoka chigayo
chakandisanganisa naNyarai ndichitengesa zvangu matombo angu andainge ndanhonga
kwaChiadzwa.Ndakatorwa moyo netsvarakadenga kusvika pakupotsera risina akavhika
rudo.Semunhu aifamba achitenga nekutengesa
matombo handaiwanikwa panzvimbo imwechete nokudaro ndakasiira Gabhu mutoro wese
.Kuchengetaka icho chigagairwa changu Nyarai.
Panguva
iyi mari yaisabatika asi kwandiri zvaive zviroto.Ini yakandibvuma nedumbu
ndikaita.Ndaiti kana ndapinda muChivhu vanasorojena vaindipa nzira ,pari
pandari vaindipa chigaro.Ukuwo Nyarai haikona kutaura.Mwana wevanhu akange oita
seachabata denga nemufaro.Vamwe ndovaiti regai muone kunowira tsvimbo nedohwe,kachapihwa
chirwere kana nhumbu isina baba naiwo makorokozo aya.
Mukorokoza.Ehe
ndaiwe mukorokoza.Ibasaka!
Nyangwe
zvazvo paitaurika zvakawanda ini ndakanga ndaperera pana Nyarai.Chainge chasara
kuti ndichienda kwake kumusha .Hazvina kufamba saizvozvo.
Ndichisvika
muWaterfalls ndakawana tete vari panze vaiita sekuti ndakanga ndatovanonotsa
rwendo runokosha,nekuti kuno nekuno vaingunotarisa nharembozha yawo.
‘’Manyuchi,ini
ndabatikana’’,akadaro Dorcas.
‘’Zvadiizve
nhai hadzvadzi’’,ndakabvunza zvangu kunyangwe ndakanga ndaona nechekare kwaive
nenyaya.
‘’Sekuru
ndoda kuenda kuBorder kundotora zvinhu zvangu
zvasvika nhasi uno.Motokari torai zvenyu ini ndichaenda neimwe yacho.Mufambe
zvakanaka’’,akapedzisa achidaro Dorcas.
Ndakazonyevenuka
pandakanzi motokari munotora.Handina kuzopedza nguva yakareba ndakabva
ndangotanga kututira zvinhu zviya zvandainge ndatenga mumotokari .Ipapo
ndakabva ndaudza tete kuti mangwana ndaizoenda na Gabhu kuti anondibatsira
pamutambo uyu.
NaGabhu
takange tarangana nechekare saka akati iye ndizomutora kumaHositeri kwaigara topinda munzira takanangisa Chivhu.Semunhu akanga apedza
kugadzirira twunhu twose uye ndakanga ndatungamidza mhuri yangu nechekare kuti
igozobatsirana nevamwe kutema huni idzo dzataizoshandisa musi uyu.Nyarai
masikati acho akanga achaya nhare achiti zvizhinji zvakanga zvapera uye kuti
hama zhinji dzakanga dzaudzwa uye dzakange dzabvuma kuti dzaizovepo pamutambo
uyu.Ndiyo ngomazve yandairwarwira iyi .Ndaizonzwa manyemwe sei naiwo
muzvambarara wandainge ndapihwa naDorcas.
KuChivhu
husiku hwakare madzitete nevamwe vazukuru vakauya kuzorarira kumba kwanaNyarai
nekuti vamwe dzimba dzawo dzaiwe kure saka vaiitira kusazofamba kana vouya
kumutambo.
Uhu
ndihwo husiku husina kurara Nyarai.Pfungwa zhinji dzakamushanyira dzimwe
dzakamutambudza chose .Akafunga zverudo rwake naGabhu kuchigayo.Masvingo
Township yese akanga atenderedza achifara naiye Gabhu.Kubva zvasungwa Manyuchi ,Nyarai
akatadza kuzvibata ndokurasa muswe.Semunhu akanga anyengwa nemukorokoza aiti
zvimwe Manyuchi akanga arova .Chaasina kuziva ndechekuti gomana rakanga ratorwa
moyo nechekare.Aya mashoko ekuparadza aiudzwa naiye Gabhu.
‘’Hapana
chinoramba apa iwe Nyarai ,unoti iye Manyuchi achadzoka here.Unofunga kuti
ungamumirira akauya kuzokuroora ipapo’’,aigarodaro Gabhu.
Akazomupinda
neyekushanya kunzvimbo dzakasiyana-siyana.Semunhu aive nemari imwe yainge
asiirwa naManyuchi akazviona seane chiremerera chepamusoro ndokutanga kudanana
naNyarai zvisina mukare amboona.
Hanzi
kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi hazvina kutora nguva Nyarai akanga atsika.Kuchinoiparura
kuna Gabhu zvikanzi naGabhu unoda kundiurayisa naManyuchi onawo yekutamba.
‘’Saka
zvazvadai ndodii nhai iwe Gabhu tarisa nyemba dzako dziya dzazvimbira’’,ndi
Nyarai uyo achiparura nyaya yake.Zvediwo chibereko chake chakange chatambira
mhodzi pachokwadi.Zvino akanga achazvitaura akamira papi ,kuna ani wacho? Nemapengero
aiita madzibaba ake mwana wevanhu akashaya zano .Pamwe akambofunga
kuzvisungirira asi imwe pfungwa
yakazopinda maari ndiyo iyo yaimubvudza kuti chaaida kuzviurayira chaive chii?
Zvisineiwo
hapana kuzopera mazuva akawanda Manyuchi akabva abuda muchitokisi ndokubva
angonanga kuChivhu kundoona tsvarakadenga yake.Achingosvika akabva angotuhwina
mudziva riya regwena izvo zvakafadza Nyarai chose nekuti akaona sekunge nyadzi
dzake dzainge dzavharika.
Senzeni
kainge katokura asi Manyuchi haana kunge ambozvifunga kuti aichengeta bere
mumba.Ndopfungwa dzakadya Nyarai husiku hwose akakungura kuti pazvaizozivikanwa
mumwe aidimburwa musoro.Akazviona zvakakodzera kuti agare zvake naManyuchi
achibika mapoto sezvo akanga akatadza pasi nekudenga.Akazotopeputswa nematsimba
emombe dzaipfuura nemunyasi menhanga yevasikana yaakanga akarara.Kuchizoti
tsvatsvadzire wanikwe Senzeni kakanga katomuka kare machira ndiwo akange akaweterwa.
Ndakaatsika
mafuta takananga Chivhu.Kamhanzi kanotapira ndiko kaingunonzwikwa mumotokari .Taida kuti tisvikofambisa mutambo
sezvo shoko rakanga rauya kare kuti hama dzakanga dzaungana.Zuva richingobuda
muna amai varo takanga taruma Chivhu growth point.Takawana Nyarai akatimirira
pamwe nemadzitete takavati vapinde mumotokari ndokuchitanga zvino kutirairidza
kwataienda.Motokari ndairova zvedi .Ndakaisesedza ndokusvikoiti pachivanze
munyasi memukotopeya pfee ndokunyaradza hinjini.Apa tainge takabopa ano masvutu
ekwakurema tese naGabhu.Ko ndaizivei kuti ndaifamba nebere? Tete vatitora
ndokutiendesa kune imwe imba yatakanzi
ndiyo yataizobvira tichiuya nehomwe dzedu.
Mutambo
wakatanga .Ini ndainge ndiine homwe yemari Gabhu nemumwe muzukuru ndiye
aifambisa nyaya dzacho ini ndichingomupa mari chete.Matekenyandevhu,makandinzwanani,mapfukudzadumbu,ndiro
iro ruzhowa uru zvose ndakabvisa pasina kufema.Ndaizviziva saka ndakanga
ndakagadzirira.Parusambo ndakabvisa makukutu zvekuti tete vakambouya kwandaiwe
ndiri ndokumbonditarisa vachinyemwerera.Pauso pawo pairatidza kundifarira
zvisina mukare akamboona .Ndakaona mumukanwa mawo muchida kubuda mashoko ekuti
‘’ndimi varume zve imi”Ndakazonzi ndibvise yechigaro pamwe nekuombera
ndopandakazonzi ndiuye sezvo dare
rakanga roda kuona mukwasha.
Ndakagadzirisa
kamudzipanyota kangu ndokumbokosorera zvishoma
ndisati ndapinda mumba.Takarutangisa rwokuuchira ukuwo madzitezvara achibvumira
ndokuchizopinda mumba togara pasi zvedu
takapfunya chibondokoto.Chandakaona mumba umu zviso zvemunhu wose aive mumba,mainge mune
mufaro ndakashaya kuti zvairevei?Ndakazoombera mushure mekusvitswa kuhama
dzose.Ndakachizokumbirwa kuti ndivhiye zvangu mbudzi yangu.NaGabhu
ndozvatairwarira nenguva isipi takanga tatopedza madzimai aivepo akanga
otosvina ura nekumonera paguru.Ini ndakazopihwa bandauko rangu.Madzitezvara
akatanga kuhuchera hwemabhodhoro hwandakange ndauya nahwo ukuwo wanamainini
nevazukuru vachiti sika-sika nemakokisi nezvinwiwa.
Aiva
makuwerere!
Ini
ndakanga ndoda kusimuka tonanga Harare apo Senzeni kakauya namainini
kachiibongomora mhere.Ndakashaya shumo yazvo kaiita sekane munhikwi
kachihotsira zvine simba.Vakweguru vaivepo vakambozama kumuzora munyu mutsoka
asi zvakatovedzera.Tose takapererwa .Akave manyama amire nerongo.Ko chaive
chiizve mwana akanga aswera zvakanaka zuva rese.Kunze kwakanga kwatosvipa asi
hazvina kupera.Nyarai akanga ongobvunda serutsanga.Ko aibvundei ?Uyuwo sahwira
Gabhu ndiye aingotsindidza neyekuti tirove pasi sezvo aiti zvichapera.Tichimhanyirei?
Ndakazvibvunza. Husiku ihwohwo imwe n’anga yemuraini Mukwende akandodeedzwa
ndokuuya nehakata dzake kuzoshopera.
Yakawe
mhere-mhere kuvhima nevanhukadzi.Kunodziti dyore-dyore woye keche wanei chakati
tende pamuzinda.Mukwende akambomira ndokuzunguza musoro achiudyura maziziso ake
ainge makomba muzidzoro rake rainge rakatenderera sedamba.N’anga dzakashata
vakomana aah! Akatanga kumwaya Senzeni tumvura twake ndokuzoti;
‘’Pakaipa
mukuru wangu pakaipa’’, akadaro Mukwende hameno zvaaidzvura mukaduri kake
kaainge akabata.
“Eeh
taurai tinzwe mhukahuru chii chapinda mumusha mangu?’’, vatezvara vangu
vakabvunza.
Zviya
zvekuti vainge vadhakwa zvakapera murume mukuru ndokuzvininipisa kuti chii
change chatora mufaro uyu.
‘’Mukanya!
Muri Mukanya ka imi?’’, akabvunza Mukwende achindinongedzera neminwe yake
yainge yakasvipa sechanza chegudo, ini ndakangogutsurira musoro.Ipapo ndakabva
ndaona kuti n’anga iyi yaiona saka zvese zvaichataura zvichave mutserendende
semvura yemuguchu.Yakazoenderera mberi.
“Midzimu
yenyu yaramba mukanya, yaramba kuchengeta nyoka muchiuno, yaramba kuchengeta
bere muhwai dzenyu.Mapiiipiiii mapoopoooo kudubu bheuuu! Makudu bheuuuu!”,
akadzvowa Mukwende.
Imba
yose yakaita runyararo apa Mukwende ndipo paakachiti huya tiende.
“Mupwere
anochema ndiani uyu nhai Mukanya?”
“Mwana
wangu anodzimbikana nezvatisingazivi Mhukahuru”,ndakadaro
ndichiuchira.
“Hehehede
Makudububheuuuuu! Haazi Jena mupwere uyu.’’
Kuzodaro
akati adenha dare .Imba yakabatwa nekukatyamara kukuru.Kana neni
zvakandibata-batawo ndokutarisa kuna Nyarai herwo rutsanga
kudedera.Ndakarasirazve meso kuna Gabhu ndokuona shasha yainge yachiti kwati
–kwati muchikona maziso achibwaira-bwaira seemuroyi aedzerwa.Nyarai akaziva
hondo yacho ndokubva atanga kupfikura arimo muchikona.
“Regai
ndiitata—uure zvakaitika, Manyuchi ndiregerewo murume wangu
ndakakutadzira.Chandinoda kuti uzive Senzeni haazi mwana wako.Muridzi wemwana
ndiye Gabhu agere apa uyu.
No comments:
Post a Comment