Thursday, 19 October 2017

NHETEMBO/POETRY

UCHI KUTAPIRA
     NaRumbidzai Mubirira    
 


                            
Regai ndizvireve hangu                                  
Kwenyuwo mugozviedza                                               
Idi muchazvionera pamhuno sefodya
manhanga kutapira kani!                                
Haazi manyepo bodo.
                                                          
Pandodanwa kutamba chevakuru chikudo
Ini tana kuramba nhema
kusi kwemoyo iriyo ngoma yandorwarira.

Ndakagukuchira gwande rehuchi,
sango ndakaveura
ndakasiya kakusvibira kachionekera
handingazosiyi uri musvuu,                    
Handisi chananana ini.

Uhwu huchi hwegonera
ndinoitira riya zishato
Paya parinotsvaga zvinoda moyo waro
Risafamba pamutserendende
paya poromhumhudzira
parinoti nyaaa mumwena
uya uri mukati pamupata,
hapana anoriona chero rikati nyaa ,dzokono dongo
nyaa dzokono dongo
                   
Amai hwe-e uyu uchi kutapira                     
Yochishinyira nhaimi,                       
Eheka matii madii henyu?
Muziiiipo!                 

Handisati ndatanga kani!                            
Ndochipuruzira zvinyoro nyoro         
Wanike hiii yochigwinha-gwinha
Gotsi ndiye papata,
Nerute tapa-tapa
Uchi kutapira.
                       
 #DZEMUGUDZA#

Wednesday, 18 October 2017

NYAYA PFUPI/SHORT STORIES

Ndakakuti pakata chete
             
               Na Brian Tafadzwa Penny

 Shoko rakazosara kusvika tatopedza kugadzirira nechekare.Zvekudyira-dyira nezvekunwira-nwira zvachiti shutu mune imwe kamuri yevaenzi.Chainge chasara apa imotokari yekuti tichitakurisa .Tete Dorcas vakange vabvuma kutiperekedza nemotokari yavo iyo yavainge vachangobva kunotora kuZambia.Mota yaive mbishi iyoyo.Zvaizofadza kana ndaizosvika ndine muzvambarara wemota pamba pevakarabwa zvisinei kuti ndainge ndisiri ini muchairi wayo.Ehee zvaifadza kusvika nemotokari mbishi inorira mumhanzi.Zimdancehall iyi,kuti popooo popooo…hauite hauite,chibabababa.Chokwadi pagrowth point here?Bva ruzevha rwose rwaingenda-ngenda zvekuti Sabhuku Chimuriwo aitotipa chipo chehuku achiti tainge tadadisa.
Ndiri mushishi nedzangu pfungwa nharembozha yangu yakachema ndokubva yasiya aya mashoko;
‘’Sekuru Manyuchi huyai kumba nhasi manheru’’.NdiDorcas uyo akanga atumira rairo iyi,zvichireva kuti manheru akarewo ndaifanira kuenda kumba kwake kuMainway Medows kundodzwa zvaainge andidanira.Kuti haachada nemotokari yake,kana kuti afunga zvimwe?Ndini uyo ndangunozvikwesha ndega zvangu.Kuti nditi Dorcas angarambe nemota,zvakaramba kupinda mupfungwa nekuti ini naDorcas taiwirirana zvekumberi.Aindida ini ndaimufarira.Mumhuri medu ndiye chete aive musikana akange atenga imba yake kuWaterfalls kunove ndiko kwandaichengetera twunu twangu tweroora.
Nyarai tsvarakadenga yakange yanditora moyo ndakanga ndasvusvura kare.Rusosa ndakanga ndapwanya ndikadya munda.Kana iyo yerupwanya ruzhowa ndakanga ndaunganidza, zvisinei kuti ndaizonotemwa yakawanda zvakadii.
NaNyarai takanga taumba redu budzi panyika.Ndiyeka Senzeni chimhandara chataidisa tose tichichirera mune zvakanaka.Senzeni akanga atove chisikana  otogona kuti tadha,baba,ndege.Pamusha paNyarai ndakanga ndisati ndasvika kunyangwe zvazvo hama nehama takanga tozivana kubudikidza nemitambo mizhinji umo taisangana.Dai kusiri kubirwa mari kwandainge ndaitwa kwaChiyadzwa uko ndaikorkoza ndingadai ndakazvipedza nechekare zvese nemuchato ndingadai ndakatamba.Zvisinei tsvakirai kuno yandakanga ndaendesa naGabhu shamwari yangu yakanga yasvika pamwe nekutambirwa.Saka ndaifara kuti naGabhu takange tonopedzisa patainge tasiira,kunyangwe zvazvo mazuva akanga afamba.
Chivhu yose Gabhu aizivikanwa nekuda kwechigayo chaainge avhura.Chigayo chaimupa mari haikona,zvese zvaaida aizvimora muchigayo ichi.Ndichoka chigayo chakandisanganisa naNyarai ndichitengesa zvangu matombo angu andainge ndanhonga kwaChiadzwa.Ndakatorwa moyo netsvarakadenga kusvika pakupotsera risina akavhika rudo.Semunhu aifamba  achitenga nekutengesa matombo handaiwanikwa panzvimbo imwechete nokudaro ndakasiira Gabhu mutoro wese .Kuchengetaka icho chigagairwa changu Nyarai.
Panguva iyi mari yaisabatika asi kwandiri zvaive zviroto.Ini yakandibvuma nedumbu ndikaita.Ndaiti kana ndapinda muChivhu vanasorojena vaindipa nzira ,pari pandari vaindipa chigaro.Ukuwo Nyarai haikona kutaura.Mwana wevanhu akange oita seachabata denga nemufaro.Vamwe ndovaiti regai muone kunowira tsvimbo nedohwe,kachapihwa chirwere kana nhumbu isina baba naiwo makorokozo aya.
Mukorokoza.Ehe ndaiwe mukorokoza.Ibasaka!
Nyangwe zvazvo paitaurika zvakawanda ini ndakanga ndaperera pana Nyarai.Chainge chasara kuti ndichienda kwake kumusha .Hazvina kufamba saizvozvo.
Ndichisvika muWaterfalls ndakawana tete vari panze vaiita sekuti ndakanga ndatovanonotsa rwendo runokosha,nekuti kuno nekuno vaingunotarisa nharembozha yawo.
‘’Manyuchi,ini ndabatikana’’,akadaro Dorcas.
‘’Zvadiizve nhai hadzvadzi’’,ndakabvunza zvangu kunyangwe ndakanga ndaona nechekare kwaive nenyaya.
‘’Sekuru ndoda kuenda kuBorder kundotora  zvinhu zvangu zvasvika nhasi uno.Motokari torai zvenyu ini ndichaenda neimwe yacho.Mufambe zvakanaka’’,akapedzisa achidaro Dorcas.
Ndakazonyevenuka pandakanzi motokari munotora.Handina kuzopedza nguva yakareba ndakabva ndangotanga kututira zvinhu zviya zvandainge ndatenga mumotokari .Ipapo ndakabva ndaudza tete kuti mangwana ndaizoenda na Gabhu kuti anondibatsira pamutambo uyu.
NaGabhu takange tarangana nechekare saka akati iye ndizomutora kumaHositeri kwaigara  topinda munzira  takanangisa Chivhu.Semunhu akanga apedza kugadzirira twunhu twose uye ndakanga ndatungamidza mhuri yangu nechekare kuti igozobatsirana nevamwe kutema huni idzo dzataizoshandisa musi uyu.Nyarai masikati acho akanga achaya nhare achiti zvizhinji zvakanga zvapera uye kuti hama zhinji dzakanga dzaudzwa uye dzakange dzabvuma kuti dzaizovepo pamutambo uyu.Ndiyo ngomazve yandairwarwira iyi .Ndaizonzwa manyemwe sei naiwo muzvambarara wandainge ndapihwa naDorcas.
KuChivhu husiku hwakare madzitete nevamwe vazukuru vakauya kuzorarira kumba kwanaNyarai nekuti vamwe dzimba dzawo dzaiwe kure saka vaiitira kusazofamba kana vouya kumutambo.
Uhu ndihwo husiku husina kurara Nyarai.Pfungwa zhinji dzakamushanyira dzimwe dzakamutambudza chose .Akafunga zverudo rwake naGabhu kuchigayo.Masvingo Township yese akanga atenderedza achifara naiye Gabhu.Kubva zvasungwa Manyuchi ,Nyarai akatadza kuzvibata ndokurasa muswe.Semunhu akanga anyengwa nemukorokoza aiti zvimwe Manyuchi akanga arova .Chaasina kuziva ndechekuti gomana rakanga ratorwa moyo nechekare.Aya mashoko ekuparadza aiudzwa naiye Gabhu.
‘’Hapana chinoramba apa iwe Nyarai ,unoti iye Manyuchi achadzoka here.Unofunga kuti ungamumirira akauya kuzokuroora ipapo’’,aigarodaro Gabhu.
Akazomupinda neyekushanya kunzvimbo dzakasiyana-siyana.Semunhu aive nemari imwe yainge asiirwa naManyuchi akazviona seane chiremerera chepamusoro ndokutanga kudanana naNyarai zvisina mukare amboona.
Hanzi kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi hazvina  kutora nguva Nyarai akanga atsika.Kuchinoiparura kuna Gabhu zvikanzi naGabhu unoda kundiurayisa naManyuchi onawo yekutamba.
‘’Saka zvazvadai ndodii nhai iwe Gabhu tarisa nyemba dzako dziya dzazvimbira’’,ndi Nyarai uyo achiparura nyaya yake.Zvediwo chibereko chake chakange chatambira mhodzi pachokwadi.Zvino akanga achazvitaura akamira papi ,kuna ani wacho? Nemapengero aiita madzibaba ake mwana wevanhu akashaya zano .Pamwe akambofunga kuzvisungirira  asi imwe pfungwa yakazopinda maari ndiyo iyo yaimubvudza kuti chaaida kuzviurayira chaive chii?
Zvisineiwo hapana kuzopera mazuva akawanda Manyuchi akabva abuda muchitokisi ndokubva angonanga kuChivhu kundoona tsvarakadenga yake.Achingosvika akabva angotuhwina mudziva riya regwena izvo zvakafadza Nyarai chose nekuti akaona sekunge nyadzi dzake dzainge dzavharika.
Senzeni kainge katokura asi Manyuchi haana kunge ambozvifunga kuti aichengeta bere mumba.Ndopfungwa dzakadya Nyarai husiku hwose akakungura kuti pazvaizozivikanwa mumwe aidimburwa musoro.Akazviona zvakakodzera kuti agare zvake naManyuchi achibika mapoto sezvo akanga akatadza pasi nekudenga.Akazotopeputswa nematsimba emombe dzaipfuura nemunyasi menhanga yevasikana yaakanga akarara.Kuchizoti tsvatsvadzire wanikwe Senzeni kakanga katomuka kare  machira ndiwo akange akaweterwa.
Ndakaatsika mafuta takananga Chivhu.Kamhanzi kanotapira ndiko kaingunonzwikwa  mumotokari .Taida kuti tisvikofambisa mutambo sezvo shoko rakanga rauya kare kuti hama dzakanga dzaungana.Zuva richingobuda muna amai varo takanga taruma Chivhu growth point.Takawana Nyarai akatimirira pamwe nemadzitete takavati vapinde mumotokari ndokuchitanga zvino kutirairidza kwataienda.Motokari ndairova zvedi .Ndakaisesedza ndokusvikoiti pachivanze munyasi memukotopeya pfee ndokunyaradza hinjini.Apa tainge takabopa ano masvutu ekwakurema tese naGabhu.Ko ndaizivei kuti ndaifamba nebere? Tete vatitora ndokutiendesa kune imwe imba  yatakanzi ndiyo yataizobvira tichiuya nehomwe dzedu.
Mutambo wakatanga .Ini ndainge ndiine homwe yemari Gabhu nemumwe muzukuru ndiye aifambisa nyaya dzacho ini ndichingomupa mari chete.Matekenyandevhu,makandinzwanani,mapfukudzadumbu,ndiro iro ruzhowa uru zvose ndakabvisa pasina kufema.Ndaizviziva saka ndakanga ndakagadzirira.Parusambo ndakabvisa makukutu zvekuti tete vakambouya kwandaiwe ndiri ndokumbonditarisa vachinyemwerera.Pauso pawo pairatidza kundifarira zvisina mukare akamboona .Ndakaona mumukanwa mawo muchida kubuda mashoko ekuti ‘’ndimi varume zve imi”Ndakazonzi ndibvise yechigaro pamwe nekuombera ndopandakazonzi  ndiuye sezvo dare rakanga roda kuona mukwasha.
Ndakagadzirisa kamudzipanyota kangu  ndokumbokosorera zvishoma ndisati ndapinda mumba.Takarutangisa rwokuuchira ukuwo madzitezvara achibvumira ndokuchizopinda mumba togara  pasi zvedu takapfunya chibondokoto.Chandakaona mumba umu  zviso zvemunhu wose aive mumba,mainge mune mufaro ndakashaya kuti zvairevei?Ndakazoombera mushure mekusvitswa kuhama dzose.Ndakachizokumbirwa kuti ndivhiye zvangu mbudzi yangu.NaGabhu ndozvatairwarira nenguva isipi takanga tatopedza madzimai aivepo akanga otosvina ura nekumonera paguru.Ini ndakazopihwa bandauko rangu.Madzitezvara akatanga kuhuchera hwemabhodhoro hwandakange ndauya nahwo ukuwo wanamainini nevazukuru vachiti sika-sika nemakokisi nezvinwiwa.
Aiva makuwerere!
Ini ndakanga ndoda kusimuka tonanga Harare apo Senzeni kakauya namainini kachiibongomora mhere.Ndakashaya shumo yazvo kaiita sekane munhikwi kachihotsira zvine simba.Vakweguru vaivepo vakambozama kumuzora munyu mutsoka asi zvakatovedzera.Tose takapererwa .Akave manyama amire nerongo.Ko chaive chiizve mwana akanga aswera zvakanaka zuva rese.Kunze kwakanga kwatosvipa asi hazvina kupera.Nyarai akanga ongobvunda serutsanga.Ko aibvundei ?Uyuwo sahwira Gabhu ndiye aingotsindidza neyekuti tirove pasi sezvo aiti zvichapera.Tichimhanyirei? Ndakazvibvunza. Husiku ihwohwo imwe n’anga yemuraini Mukwende akandodeedzwa ndokuuya nehakata dzake kuzoshopera.
Yakawe mhere-mhere kuvhima nevanhukadzi.Kunodziti dyore-dyore woye keche wanei chakati tende pamuzinda.Mukwende akambomira ndokuzunguza musoro achiudyura maziziso ake ainge makomba muzidzoro rake rainge rakatenderera sedamba.N’anga dzakashata vakomana aah! Akatanga kumwaya Senzeni tumvura twake ndokuzoti;
‘’Pakaipa mukuru wangu pakaipa’’, akadaro Mukwende hameno zvaaidzvura mukaduri kake kaainge akabata.
“Eeh taurai tinzwe mhukahuru chii chapinda mumusha mangu?’’, vatezvara vangu vakabvunza.
Zviya zvekuti vainge vadhakwa zvakapera murume mukuru ndokuzvininipisa kuti chii change chatora mufaro uyu.
‘’Mukanya! Muri Mukanya ka imi?’’, akabvunza Mukwende achindinongedzera neminwe yake yainge yakasvipa sechanza chegudo, ini ndakangogutsurira musoro.Ipapo ndakabva ndaona kuti n’anga iyi yaiona saka zvese zvaichataura zvichave mutserendende semvura yemuguchu.Yakazoenderera mberi.
“Midzimu yenyu yaramba mukanya, yaramba kuchengeta nyoka muchiuno, yaramba kuchengeta bere muhwai dzenyu.Mapiiipiiii mapoopoooo kudubu bheuuu! Makudu bheuuuu!”, akadzvowa Mukwende.
Imba yose yakaita runyararo apa Mukwende ndipo paakachiti huya tiende.
“Mupwere anochema ndiani uyu nhai Mukanya?”
“Mwana wangu anodzimbikana nezvatisingazivi  Mhukahuru”,ndakadaro ndichiuchira.
“Hehehede Makudububheuuuuu! Haazi Jena mupwere uyu.’’
Kuzodaro akati adenha dare .Imba yakabatwa nekukatyamara kukuru.Kana neni zvakandibata-batawo ndokutarisa kuna Nyarai herwo rutsanga kudedera.Ndakarasirazve meso kuna Gabhu ndokuona shasha yainge yachiti kwati –kwati muchikona maziso achibwaira-bwaira seemuroyi aedzerwa.Nyarai akaziva hondo yacho ndokubva atanga kupfikura arimo muchikona.
“Regai ndiitata—uure zvakaitika, Manyuchi ndiregerewo murume wangu ndakakutadzira.Chandinoda kuti uzive Senzeni haazi mwana wako.Muridzi wemwana ndiye Gabhu agere apa uyu.




NHETEMBO/POETRY